Jeremiah 46:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naʋanhu ʋaro ʋanoripirwa, ʋari mukati maro, ʋakafanana nemhuru dzomuɗaŋga, nokuti naiʋo ʋakadzoka, ʋakatiza pamŋe cete, haʋana‐kumira; nokuti zuʋa renjodzi yaʋo rakaʋuya pamsoro paʋo, iyo ŋguʋa yokurobga kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Varwi vanorwa kuti vapuwe mari chete vari mairi, vakaita semhuru dzakakodzwa. Naivowo vachadzoka uye vachatiza pamwe chete, havangamiri, nokuti zuva renjodzi riri kuuya pamusoro pavo, iyo nguva yokurangwa kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Kunyange varwi vanorwira kubhadhara vava sezvigondora zvakakodzwa. Hongu, vapira gotsi, vachiti ware kutiza pamwechete, havana kumbopamira nokuti zuva ravo renhamo ravasvikira, nguva yokurangwa kwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Navanhu varo vanoripirwa, vari mukati maro, vakafanana nemhuru dzomudanga, nokuti naivo vakadzoka, vakatiza pamwechete, havana kumira; nokuti zuva renjodzi yavo rakauya pamusoro pavo, iyo nguva yokurohwa kwavo.
Shona 2009?
"Navanhu varo vanoripirwa, vari mukati maro, vakafanana nemhuru dzomudanga, nokuti naivo vakadzoka, vakatiza pamwechete, havana kumira; nokuti zuva renjodzi yavo rakauya pamusoro pavo, iyo nguva yokurohwa kwavo.
Shona SUB 2002 Bible
“Navanhu varo vanoripirwa, vari mukati maro, vakafanana nemhuru dzomudanga, nokuti naivo vakadzoka, vakatiza pamwechete, havana kumira; nokuti zuva renjodzi yavo rakauya pamusoro pavo, iyo nguva yokurohwa kwavo.