Jeremiah 46:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi usatya hako, iwe Jakobo, muranda waŋgu, usavunduswa, iwe Israeri; nokuti tarira, ndicakuponesa uri kure, naʋana ʋako ʋari panyika kwaʋakatapirwa; Jakobo ucadzoka, ucanyarara nokuzorora, hakuna‐uŋgamutyisa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Usatya, iwe Jakobho muranda wangu; usavhunduka iwe Israeri. Zvirokwazvo ndichakuponesa uri kunzvimbo iri kure, navana vako kubva kunyika yeutapwa hwavo, Jakobho achavazve norugare nokuchengetedzeka, uye hakuna achamutyisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi rega hako kutya iwe Jakobho muranda wangu kana kukangaidzwa zvako iwe Isiraeri nokuti tarira, ndichakununura kure ikoko uye zvizvarwa zvako kunyika yavari youtapwa. Jakobho achadzoka agova muchechetere mvura yeguvi; pasisina anomutyisidzira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, usavhunduswa, iwe Isiraeri; nokuti tarira, ndichakuponesa uri kure, navana vako vari panyika kwavakatapirwa; Jakobho uchadzoka, uchanyarara nokuzorora, hakuna ungamutyisa.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible