Jeremiah 46:28 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Usatya hako, iwe Jakobo, muranda waŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — nokuti ndinewe; nokuti ndicapedza kwaɀo marudzi ose kwandakakudziŋgira; asi iwe handiŋgakupedzi, asi ndicakuraŋga ndiciita nokururama, handiŋgakuregi usina‐kurobga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usatya, iwe Jakobho muranda wangu, nokuti ndinewe,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kunyange ndikaparadza chose marudzi ose andakakuparadzirai pakati pawo, handizokuparadzei imi zvachose. Ndichakurangai, asi chete nokururamisira; handingakuregei musina kurangwa zvachose.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvanzi naTenzi, “Usatye hako iwe Jakobho muranda wangu nokuti ndinewe. Ndichanyatsoparadza ndudzi dzose, dzokwandakakutinhira. Asi iwe handibva ndanyatsokuparadza Ndichakuranga zviri pamwero chaipo Handimborega kukuranga.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinewe; nokuti ndichapedza kwazvo marudzi ose kwandakakudzingira; asi iwe handingakupedzi, asi ndichakuranga ndichiita nokururama, handingakuregi usina kurohwa.”
Shona 2009?
Usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinewe; nokuti ndichapedza kwazvo marudzi ose kwandakakudzingira; asi iwe handingakupedzi, asi ndichakuranga ndichiita nokururama, handingakuregi usina kurohwa."
Shona SUB 2002 Bible
Usatya hako, iwe Jakobho, muranda wangu, ndizvo zvinotaura Jehovha, nokuti ndinewe; nokuti ndichapedza kwazvo marudzi ose kwandakakudzingira; asi iwe handingakupedzi, asi ndichakuranga ndichiita nokururama, handingakuregi usina kurohwa.”