Jeremiah 47:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Tarirai, mvura zhinji inokwira icibva kurutiʋi rwokumsoro, icaʋa rwizi runopafuma, icafukidza nyika neɀose ɀiri’mo, neguta naʋagere’mo; ʋanhu ʋacacema, naʋose ʋagere munyika ʋacawuŋgudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha, “Onai kukwira kunoita mvura zhinji yokumusoro; ivo vachava rwizi runopa pfuma nesimba. Vachafukidza nyika nezvose zviri mairi, maguta navose vanogaramo. Vanhu vachachema; vose vanogara munyika vachaungudza
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvanzi naTenzi, chinzwai, mvura yava kusimuka ichibva kuchamhembe, ichava mafashamo chaiwo ehova dzichanyatsoti fasha nenyika ino nezvose zviri mairi, zvinoti guta navagari vemo. Vanhu vacharidza mhere, mugari wose zvake wenyikayo achihwihwidza kuchema.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, mvura zhinji inokwira ichibva kurutivi rwokumusoro, ichava rwizi runopapfuma, ichafukidza nyika nezvose zvirimo, neguta navageremo; vanhu vachachema, navose vagere munyika vachawungudza.’
Shona 2009?
"Zvanzi naJehovha, `Tarirai, mvura zhinji inokwira ichibva kurutivi rwokumusoro, ichava rwizi runopafuma, ichafukidza nyika nezvose zvirimo, neguta navageremo; vanhu vachachema, navose vagere munyika vachaw-ungudza.'
Shona SUB 2002 Bible
“Zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, mvura zhinji inokwira ichibva kurutivi rwokumusoro, ichava rwizi runopapfuma, ichafukidza nyika nezvose zvirimo, neguta navageremo; vanhu vachachema, navose vagere munyika vachawungudza.’