Jeremiah 48:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacemei, imi mose makaʋapoteredza, imi mose munoziʋa zita raʋo; muti: Haiwa, tȿimbo yakasimba, iwo muɗonɀo wakanaka, ɀavunika sei!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ichemei, imi mose mugere makaipoteredza, vose vanoziva mukurumbira wayo; muti, ‘Yavhunika seiko tsvimbo yakasimba, wavhunika seiko mudonzvo wakaisvonaka!’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ichemei imi mose muri munharaunda yayo yakaitenderera nemi mose munoiziva nezita. Itii: ‘Zvauya sei chokwadi kuti tsvimbo huru youmambo ityoke, mudonzvo wacho wembiri.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vachemei, imi mose makavapoteredza, imi mose munoziva zita ravo; muti, ‘Haiwa, tsvimbo yakasimba, iwo mudonzvo wakanaka, zvavhunika sei!’
Shona 2009?
Vachemei, imwi mose makavapoteredza, imwi mose munoziva zita ravo; muti, `Haiwa, tsvimbo yakasimba, iwo mudonzvo wakanaka, zvavhunika sei!'
Shona SUB 2002 Bible
Vachemei, imi mose makavapoteredza, imi mose munoziva zita ravo; muti, ‘Haiwa, tsvimbo yakasimba, iwo mudonzvo wakanaka, zvavhunika sei!’