Jeremiah 48:32 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicakucemera, iwe muzambiriŋga weSibma, nokucema kunopfuʋura kucema kwaJazeri; mataʋi ako akaɗarika guŋgwa, akandoȿika paguŋgwa raJazeri; muparadzi wawira ɀiɓereko ɀako ɀezhezha namazambiriŋga ako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndinokuchema sokuchema kunoita Jazeri, haiwa imi mazambiringa eGibhima. Matavi enyu akatandavara kundosvika kugungwa; akandosvika kugungwa reJazeri. Muparadzi awira pamichero yako yaibva namazambiringa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe mugirepisi weSibhuma, ndinokuchema kupinda gungwa reJazeru! Mapazi ako anotandira napamusoro pegungwa kusvikira nokuJazeru. Michero yako yapazhizha nezvinobva mumunda wamagiresi zvawirwa nomuparadzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichakuchemera, iwe mudzambiringa weSibhima, nokuchema kunopfuura kuchema kwaJazeri; matavi ako akadarika gungwa, akandosvika pagungwa raJazeri; muparadzi wawira zvibereko zvako zvezhezha namadzambiringa ako.
Shona 2009?
Ndichakuchemera, iwe muzambiringa weSibhima, nokuchema kunopfuura kuchema kwaJazeri; matavi ako akadarika gungwa, akandosvika pagungwa raJazeri; muparadzi wawira zvibereko zvako zvezhezha namazambiringa ako.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichakuchemera, iwe muzambiringa weSibhima, nokuchema kunopfuura kuchema kwaJazeri; matavi ako akadarika gungwa, akandosvika pagungwa raJazeri; muparadzi wawira zvibereko zvako zvezhezha namazambiringa ako.