Jeremiah 48:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mufaro nokufara ɀabviswa pamunda wakaŋga uciɓereka ɀakanaka napanyika yaMoabi; ndakagumisa waini paɀiȿiniro, hakuna‐ʋacatsika ʋacipururudza, kupururudza hakuŋgaʋi kupururudza.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mufaro nokufarisisa zvaenda, zvabva muminda yemichero nomuminda yeMoabhu. Ndagumisa kuyerera kwewaini inobva pazvisviniro; hakuna achazvitsika achidanidzira nomufaro. Kunyange pano kudanidzira, hakusi kudanidzira kwomufaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Rufaro nokupembera zvabviswa munyika inobereka zvakawanda, nyika yeMoabhu. Ndakaita kuti waini ipwe muzvisviniro zvewaini. Hapana achambokanya magirepisi nenziyo dzokufara, kudaidzira kwaro hakusisiri kwokufara.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mufaro nokufara zvabviswa pamunda wakanga uchibereka zvakanaka napanyika yaMoabhu; ndakagumisa waini pazvisviniro, hakuna vachatsika vachipururudza, kupururudza hakungavi kupururudza.
Shona 2009?
"Mufaro nokufara zvabviswa pamunda wakanga uchibereka zvakanaka napanyika yaMoabhu; ndakagumisa waini pazvisviniro, hakuna vachatsika vachipururudza, kupururudza hakungavi kupururudza.
Shona SUB 2002 Bible
“Mufaro nokufara zvabviswa pamunda wakanga uchibereka zvakanaka napanyika yaMoabhu; ndakagumisa waini pazvisviniro, hakuna vachatsika vachipururudza, kupururudza hakungavi kupururudza.