Jeremiah 48:41 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Maguta akundwa, nhare dzakundwa, nezuʋa iro mŋoyo yemhare dzaMoabi icaita somŋoyo womukadzi pakurwadziwa kwake.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kerioti ichatapwa uye nhare dzichatorwa. Pazuva iro mwoyo yemhare dzeMoabhu ichafanana nomwoyo womukadzi ari kurwadziwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Maguta achatorwa uye nhare dzokuzvidzivirira muhondo dzichabvutwa. Mwoyo yavarwi veMoabhu, pazuva iroro, ichaita semwoyo womukadzi ari pakusununguka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Maguta akundwa, nhare dzakundwa, nezuva iro mwoyo yemhare dzaMoabhu ichaita somwoyo womukadzi pakurwadziwa kwake.
Shona 2009?
Maguta akundwa, nhare dzakundwa, nezuva iro moyo yemhare dzaMoabhu ichaita somoyo womukadzi pakurwadziwa kwake.
Shona SUB 2002 Bible
Maguta akundwa, nhare dzakundwa, nezuva iro mwoyo yemhare dzaMoabhu ichaita somwoyo womukadzi pakurwadziwa kwake.