Jeremiah 48:44 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Unotiza cinotyisa ucawira muhuzha; unokwira aciɓuɗa muhuzha ucaɓatwa nomusuŋgo, nokuti ndicaʋuyisa pamsoro paʋo, ipo pamsoro paMoabi, gore rokurobga kwaʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ani naani achatiza njodzi iyi achawira mugomba, ani naani achakwira achibuda mugomba, achabatwa mumusungo; nokuti ndichauyisa pamusoro peMoabhu gore rokurangwa kwake,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Anenge atiza zvinhu zvinotyisa achawira muhunza anenge abuda muhunza imomo achabatwa nomusungo nokuti ndichapinza Moabhu muna izvozvi mugore rokurangwa kwavo, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Unotiza chinotyisa uchawira muhuzha; unokwira achibuda muhuzha uchabatwa nomusungo, nokuti ndichauyisa pamusoro pavo, ipo pamusoro paMoabhu, gore rokurohwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Unotiza chinotyisa uchawira muhuzha; unokwira achibuda muhunza uchabatwa nomusungo, nokuti ndichauyisa pamusoro pavo, ipo pamusoro paMoabhu, gore rokurohwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Unotiza chinotyisa uchawira muhuzha; unokwira achibuda muhuzha uchabatwa nomusungo, nokuti ndichauyisa pamusoro pavo, ipo pamusoro paMoabhu, gore rokurohwa kwavo, ndizvo zvinotaura Jehovha.