Jeremiah 49:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana kuri kutyisa kwako, kuɀikudza kwomŋoyo wako kwakakunyeŋgera, iwe ugere mumikaha yeɗombo, unoɀisimbisa pakakwirira paɀikomo; kunyaŋge ukaʋaka ɗendere rako pakakwirira segondo, ndicakubvisa’po — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kutyisa kwaunoita, nokuzvikudza kwomwoyo wako zvakunyengera, iwe unogara mumikaha yematombo, ugere panzvimbo dzakakwirira dzechikomo. Kunyange ukavaka dendere rako pakakwirira segondo, ndichakukoromora kubva ipapo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kutyisidzira okuzvikudza kwenyu zvakakufurirai, imi munogara mumikaha yamatombo iyemi munotonga misoro muri pameso pamakomo. Kunyange zvazvo mukaisa matendere enyu padengadenga segondo, ini ndichakutozomorai ipapo. Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana kuri kutyisa kwako, kuzvikudza kwomwoyo wako kwakakunyengera, iwe ugere mumikaha yedombo, unozvisimbisa pakakwirira pazvikomo; kunyange ukavaka dendere rako pakakwirira segondo, ndichakubvisapo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Kana kuri kutyisa kwako, kuzvikudza komoyo wako kwakakunyengera, iwe ugere mumikaha yedombo, unozvisimbisa pakakwirira pazvikomo; kunyange ukavaka dendere rako pakakwirira segondo, ndichakubvisapo, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Kana kuri kutyisa kwako, kuzvikudza kwomwoyo wako kwakakunyengera, iwe ugere mumikaha yedombo, unozvisimbisa pakakwirira pazvikomo; kunyangwe ukavaka dendere rako pakakwirira segondo, ndichakubvisapo, ndizvo zvinotaura Jehovha.