Jeremiah 49:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, ucaʋuya seshumba acibva mumatenhere aJoridani kuzorwa noʋugaro bgakasimba; nokuti ndicaʋatizisa’po pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandicagadza’po; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani ucanditarira ŋguʋa? Mufudzi uŋgamira pamberi paŋgu ndiani?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Seshumba inobuda mumatenhere eJorodhani ichienda kumafuro akapfuma, ndichadzinga Edhomu kubva munyika yake pakarepo. Ndianiko akasarudzwa wandichagadza kuti aite izvi? Ndiani akafanana neni uye ndiani angakwikwidzane neni? Uye ndoupi mufudzi angamisidzana neni?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Regai muone, ndichaita seshumba yabva mujokochwa romuna Jorodhani ichauya kumafuro, vachaerekana ndava kuvaitisa chimwandamwanda kubva muEdhomu. Ndichaisarudzira chero wandinenge ndada kuti aitonge. Ndinodaro nokuti ndiani akaita seni? Ndiani chaizvo angandigadze dare? Ndoupi mufudzi angamirisane neni?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, uchauya seshumba achibva mumatenhere aJorodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani?
Shona 2009?
Tarirai, uchauya seshumba achibva mumatenhere aJorodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani?
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, uchauya seshumba achibva mumatenhere aJodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani?