Jeremiah 49:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Tarirai, mazuʋa anoȿika, andicanzwisa ʋanhu mhere yokurwa neRaba raʋana ʋaAmoni; ricaitwa murwi wamatoŋgo, naʋakunda ʋaro ʋacapiswa nomŋoto; ipapo ʋaIsraeri ʋacadya nhaka yaʋakambodya nhaka yaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andicharidza mhere yehondo pamusoro peRabha ravaAmoni; richaitwa murwi wamatongo, uye misha yakaripoteredza ichapiswa nomoto. Ipapo Israeri achadzinga vaya vakanga vamudzinga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Naizvozvo chinzwai, zvanzi naTenzi, mazuva achasvika andichaitisa kuti ngondo inzwike yokurwisa guta reRabha yevokwaAmoni. Richava chimudhuri chedongo, misha yaro icharoromeswa nomoto. Isiraeri ndopaichapamba vaya vakamboipambawo. Ndizvo zvinotaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, mazuva anosvika, andichanzwisa vanhu mhere yokurwa neRabha ravana vaAmoni; richaitwa murwi wamatongo; ipapo vaIsiraeri vachadya nhaka yavakambodya nhaka yavo.’
Shona 2009?
Naizvozvo zvanzi naJehovha, `Tarirai, mazuva anosvika, andichanzwisa vanhu mhere yokurwa neRabha ravana vaAmoni; richaitwa murwi wamatongo; ipapo vaIsiraeri vachadya nhaka yavakambodya nhaka yavo.'
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, mazuva anosvika, andichanzwisa vanhu mhere yokurwa neRabha ravana vaAmoni; richaitwa murwi wamatongo; ipapo VaIsiraeri vachadya nhaka yavakambodya nhaka yavo.’