Jeremiah 49:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋacatora matente aʋo namapoka aʋo amakwai, ʋacaɀitorera miceka yaʋo inoremberedzwa, nemidziyo yaʋo yose, namakamera aʋo ʋacienda naɀo; ʋacaɗanidzira kwaʋari, ʋaciti: Ɀinotyisa ɀiri’po kumatiʋi ose!
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Matende avo namapoka avo amakwai achatorwa; matumba avo achatorwa achiendwa nawo, nemidziyo yavo yose nengamera. Vanhu vachadanidzira kwavari vachiti, ‘Zvinhu zviri kutyisa kumativi ose!’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Matendhe avo nezvipfuwo zvavo zvinofanira kuti zvitorwe namachira avo okudzikatirisa nezvinhu zvavo zvose, nengamera dzavo vanofanira kuti vazvitore zviendwe nazvo. Varume vachadaidzira kwavari vachiti, ‘Hokoyoi kumativi kwose kwaipa.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vachatora matende avo namapoka avo amakwai, vachazvitorera micheka yavo inoremberedzwa, nemidziyo yavo yose, namakamera avo vachienda nazvo; vachadanidzira kwavari, vachiti, ‘Zvinotyisa zviripo kumativi ose!’
Shona 2009?
Vachatora matende avo namapoka avo amakwai, vachazvitorera micheka yavo inoremberedzwa, nemidziyo yavo yose, namakamera avo vachienda nazvo; vachadanidzira kwavari, vachiti, `Zvinotyisa zviripo kumativi ose!'
Shona SUB 2002 Bible
Vachatora matende avo namapoka avo amakwai, vachazvitorera micheka yavo inoremberedzwa, nemidziyo yavo yose, namakamera avo vachienda nazvo; vachadanidzira kwavari, vachiti, ‘Zvinotyisa zviripo kumativi ose!’