Jeremiah 49:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wuŋgudza iwe Heshboni, nokuti Ai raparadzwa; cemai imi ʋakunda ʋeRaba, ɀisuŋgei ɀiʋuno namasaga, wuŋgudzai, mumhanye kwose kwose pakati pezhowa, nokuti Markami ucatapxa, iye naʋaprista namacinda ake pamŋe cete.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ungudza, iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa! Ridzai mhere, imi vanogara muRabha! pfekai masaga mucheme, mhanyai pano nekoko pakati porusvingo, nokuti Moreki achaenda muutapwa, pamwe chete navaprista vake namachinda ake.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe guta reHeshibhoni hwihwidza kuchema nokuti guta reAi raparara! Ridzai mhere imi vanasikana veRabha! Sungai masaga muchiuno, ungudzai muchimhanya uko nokoko, mukati moruzhowa noruzhowa! Chatovapo ndechichi chokuti iye Mirikomu mwari wenyu achaendwa naye kuutapwa pamwechete navapristi vake namachinda ake.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wungudza iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa; chemai imi vakunda vaRebha, zvisungei zviuno namasaga, wungudzai, mumhanye kwose kwose pakati pezhowa, nokuti Marikami uchatapwa, iye navapristi namachinda ake pamwechete.
Shona 2009?
Wungudza iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa, chemai imwi vakunda vaRebha, zvisungei zviuno namasaga, wungudzai, mumhanye kose kose pakati pezhowa, nokuti Marikami uchatapwa, iye navaprista namachinda ake pamwechete.
Shona SUB 2002 Bible
Wungudza iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa; chemai imi vakunda vaRebha, zvisungei zviuno namasaga, wungudzai, mumhanye kwose kwose pakati pezhowa, nokuti Marikami uchatapwa, iye navapristi namachinda ake pamwechete.