Jeremiah 49:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tizai, endai kure, garai makadzika, imi ʋagere Hazori — ndiɀo ɀinotaura Jehova; nokuti Nebukadrezari mambo weBabironi wakaraŋgana pamsoro penyu, wakakufuŋgirai mano akaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tizirai kure nokukurumidza! Garai mumapako akadzika, imi vagari vomuHazari,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi aita zvakaipa pamusoro penyu; aronga zano pamusoro penyu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tizai, dzengererai muri kure, garai makadzika, imi vagari veHazori. Ndizvo zvinotaura Tenzi. Nokuti Nebhukadhireza mambo weBhabhironi akurongerai zano rakaipa, ane chinangwa chakaipa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tizai, endai kure, garai makadzika, imi vagere Hazori, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakarangana pamusoro penyu, wakakufungirai mano akaipa.
Shona 2009?
"Tizai, endai kure, garai makadzika, imwi vagere Hazori, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wakarangana pamusoro penyu, wakakufungirai mano akaipa.
Shona SUB 2002 Bible
“Tizai, endai kure, garai makadzika, imi vagere Hazori, ndizvo zvinotaura Jehovha; nokuti Nebhukadhineza mambo weBhabhironi wakarangana pamusoro penyu, wakakufungirai mano akaipa.