Jeremiah 49:32 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Makamera aʋo acatapxa neɀipfuwo ɀaʋo ɀizhinji ɀicapambga; ndicaʋaparadzira kumatiʋi ose kunobva mhepo, iʋo ʋakaʋeʋurwa matiʋi evudzi raʋo, ndicaʋaʋuyisira njodzi yaʋo icibva kumatiʋi ose — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ngamera dzavo dzichapambwa, uye mombe dzavo dzakawanda dzichapambwa. Ndichaparadzira kumhepo avo vari kunyika dzokure, uye ndichauyisa njodzi pamusoro pavo kubva kumativi ose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ngamera dzavo dzinofanira kutorwa, matanga avo emombe apambwa. Vose vanogera vhudzi kuitwa makona mumusoro ndichavati mwarara kumativi kwose. Ndichaita kuti nyatwa dzivakombe kumativi ose, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Makamera avo achatapwa nezvipfuo zvavo zvizhinji zvichapambwa; ndichavaparadzira kumativi ose kunobva mhepo, ivo vakaveurwa mativi evhudzi ravo, ndichavauyisira njodzi yavo ichibva kumativi ose ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Makamera avo achatapwa nezvipfuwo zvavo zvizhinji zvichapambwa; ndichavaparadzira kumativi ose kunobva mhepo, ivo vakaveurwa mativi evhudzi ravo, ndichavauyisira njodzi yavo ichibva kumativi ose ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Makamera avo achatapwa nezvipfuo zvavo zvizhinji zvichapambwa; ndichavaparadzira kumativi ose kunobva mhepo, ivo vakaveurwa mativi evhudzi ravo, ndichavauyisira njodzi yavo ichibva kumativi ose ndizvo zvinotaura Jehovha.