Jeremiah 49:36 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaʋuyisira pamsoro paErami mhepo inna dzicibva kumatiʋi manna okuɗeŋga, ndicaʋaparadzira kumatiʋi iwo manna kunobva mhepo; hakuŋgaʋi norudzi rumŋe kusiŋgaȿiki iʋo ʋakadziŋgwa ʋaErami.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichauyisa pamusoro paEramu mhepo ina, kubva kumativi mana ematenga; ndichavaparadzira kumhepo ina uye hakungavi norudzi rumwe kusingaendwi navavakidzani veEramu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaita kuti Eramu ivingwe nemhepo dzokumativi mana edenga ndigovati mwarara kumhepo ina dzose idzodzo. Hakuna rudzi rwavanhu kusingazoendwi nevanenge vadzingwa muEramu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichauyisira pamusoro paEramu mhepo ina dzichibva kumativi mana okudenga, ndichavaparadzira kumativi iwo mana kunobva mhepo; hakungavi norudzi rumwe kusingasviki ivo vakadzingwa vaEramu.’
Shona 2009?
Ndichauyisira pamusoro paEramu mhepo ina dzichibva kumativi mana okudenga, ndichavaparadzira kumativi iwo mana kunobva mhepo; hakungavi norudzi rumwe kusingasviki ivo vakadzingwa vaEramu.'
Shona SUB 2002 Bible
Ndichauyisira pamusoro paEramu mhepo ina dzichibva kumativi mana okudenga, ndichavaparadzira kumativi iwo mana kunobva mhepo; hakungavi norudzi rumwe kusingasviki ivo vakadzingwa vaEramu.’