Jeremiah 5:1 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mhanyai kwose‐kwose panzira dzomuguta reJerusarema, muʋone ɀino, muziʋe, mutȿake pamigwagwa mikuru yaro, kana muŋgawana munhu, kana ari’po, unoita ɀakarurama, unotȿaka ɀokwaɗi; ipapo ndicarikaŋganwira.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Kwirai nokudzika nemigwagwa yeJerusarema, tarirai pose pose mugofunga, tsvakai muzvivara zvaro muone kana mukawana kana munhu mumwe anoita zvakanaka uye anotsvaka zvokwadi, ipapo ndicharegerera guta iri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Bvongodzai nomumigwagwa yeJerusaremu mutarise muongorore. Tsvakurudzai mumisika yaro muone, kana mukawana mumwechete zvake anoita zvine ruenzaniso uye ari pachokwadi, ndiriregerere guta irori.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mhanyai kwose-kwose panzira dzomuguta reJerusaremu, muone zvino, muzive, mutsvake pamigwagwa mikuru yaro, kana mungawana munhu, kana aripo, unoita zvakarurama, unotsvaka zvokwadi; ipapo ndicharikanganwira.
Shona 2009?
Mhanyai kose-kose panzira dzomuguta reJerusaremu, muone zvino, muzive, mutsvake pamigwagwa mikuru yaro, kana mungawana munhu, kana aripo, unoita zvakarurama, unotsvaka zvokwadi; ipapo ndicharikangamwira.
Shona SUB 2002 Bible
Mhanyai kwose–kwose panzira dzomuguta reJerusaremu, muone zvino, muzive, mutsvake pamigwagwa mikuru yaro, kana mungawana munhu, kana aripo, unoita zvakarurama, unotsvaka zvokwadi; ipapo ndicharikanganwira.