Jeremiah 5:15 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicaʋuyisa pamsoro penyu rudzi runobva kure, imi imba yaIsraeri; rudzi runesimba, rudzi rwakare‐kare, rudzi rwamusiŋgaziʋi rurimi rwarwo, kana kunzwisisa ɀaʋanotaura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Haiwa imi imba yaIsraeri,” ndizvo zvinotaura Jehovha, ndiri kuuyisa rudzi runobva kure kuzokurwisai, rudzi rwakare kare uye rudzi rwakashinga, vanhu vane rurimi rwamusinganzwi, vano mutauro wamusinganzwisisi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwai, imi vemba yaIsiraeri ndiri kukuunzirai rudzi rwavanhu, vanobva kure, kure ndizvo zviri kutaura Tenzi. Rudzi rwacho rudzi rwapasichigare rudzi rwaivapo kubvira chingo nechingo, rudzi runo mutauro wamusingazivi vamusingagoni kunzwisisa kutaura kwavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha ndichauyisa pamusoro penyu rudzi runobva kure, imi imba yaIsiraeri; rudzi rwamusingazivi rurimi rwarwo, kana kunzwisisa zvavanotaura.
Shona 2009?
Tarirai ndizvo zvinotaura Jehovha ndichauyisa pamusoro penyu rudzi runobva kure, imwi imba yaIsiraeri, rudzi rwamusingazivi rurimi rwarwo, kana kunzwisisa zvavanotaura.
Shona SUB 2002 Bible
Tarirai, ndizvo zvinotaura Jehovha ndichauyisa pamusoro penyu rudzi runobva kure, imi imba yaIsiraeri; rudzi rwamusingazivi rurimi rwarwo, kana kunzwisisa zvavanotaura.