Jeremiah 5:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana muciŋge moti: Ko Jehova Mŋari weɗu wakatiitirei iɀeɀi ɀose? Ipapo uti kwaʋari: Seɀamakandirasha ini, mukashumira ʋamŋe ʋamŋari panyika yenyu, saiɀoɀo mucashumira ʋatorwa panyika isati iri yenyu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino kana vanhu vakabvunza kuti, ‘Ko, Jehovha Mwari wedu aitirei izvi kwatiri?’ imi muchavaudza kuti, ‘Sezvo makandisiya mukandoshumira vamwari vavatorwa munyika yenyu chaiyo, saizvozvowo zvino muchashandira vatorwa munyika isiri yenyu.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanhu vokwako ava kana vokubvunza vachiti, ‘Tenzi, Mwari wedu akaitireiko zvinhu izvi kwatiri?’ Iwe vataurire kuti, ‘Sokundifuratira kwamakaita muchindonamata vaMwari vasiriivo munyika menyu, saizvozvowo muchandonamatawo vamwari vasirivo kunyika isiri yenyu.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana muchinge munoti, ‘Ko Jehovha Mwari wedu wakatiitirei izvezvi zvose?’ Ipapo uti kwavari, ‘Sezvamakandirasha ini, mukashumira vamwe vamwari panyika yenyu, saizvozvo muchashumira vatorwa panyika isati iri yenyu.’ ”
Shona 2009?
Zvino kana muchinge munoti, `Ko Jehovha Mwari wedu wakatiitirei izvezvi zvose?' Ipapo uti kwavari, `Sezvamakandirasha ini, mukashumira vamwe vamwari panyika yenyu, saizvozvo muchashumira vatorwa panyika isati iri yenyu.' "
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana muchinge munoti, ‘Ko Jehovha Mwari wedu wakatiitirei izvezvi zvose?’ Ipapo uti kwavari, ‘Sezvamakandirasha ini, mukashumira vamwe vamwari panyika yenyu, saizvozvo muchashumira vatorwa panyika isati iri yenyu.’ ”