Jeremiah 5:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino cinzwai iɀoɀi, imi ʋanhu mapenzi, musinenjere; munameso, asi hamuʋoni, munenzeʋe, asi hamunzwi:
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Inzwai izvi imi mapenzi navanhu vasina pfungwa, vana meso, asi vasingaoni, vane nzeve, asi vasinganzwi:
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chinzwai izvi mazungairwa avanhu, vanhu vasina pfungwa, vana maziso, asi havaoni, vane nzeve, asi kunzwa vasinganzwi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino chinzwai izvozvi, imi vanhu mapenzi, musina njere; muna meso, asi hamuoni, mune nzeve, asi hamunzwi.
Shona 2009?
"Zvino chinzwai izvozvi, imwi vanhu mapenzi, musina njere; muna meso, asi hamuoni, mune nzeve, asi hamunzwi.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvino chinzwai izvozvi, imi vanhu mapenzi, musina njere; muna meso, asi hamuoni, mune nzeve, asi hamunzwi.