Jeremiah 5:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova: Hamundityi here? Hamuɗeɗeri pamberi paŋgu here, ini ndakaisa jeca riʋe muganho weguŋgwa, ndikatema cireʋo cisiŋgaperi kuti rirege kuudarika? Ɀino kunyaŋge mafuŋgu aro acipeŋga, haaŋgakundi, kunyaŋge akaʋirima, haaŋgaɗariki.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, hamufaniri kunditya here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, hamufaniri kudedera pamberi pangu here? Ndakaita jecha kuti rive muganhu wegungwa, muganhu warisingadariki nokusingaperi. Mafungu angafashama, asi haangakundi; angavirima asi haangaudariki.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Tenzi anoti, hamundityi here, uye hamundidederi here? Ini ndakaisa jecha samahombekombe egungwa. Muganhu wokugara wakadaro warisingagoni kudimura. Kunyange mafungu akausunda haanga usudurudze kunyange zvazvo akatinhira haakwanisi kuudarika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha, ‘Hamundityi here?’ Hamudederi pamberi pangu here, ini ndakaisa jecha rive muganho wegungwa, ndikatema chirevo chisingaperi kuti rirege kuudarika? Zvino kunyange mafungu aro achipenga, haangakundi.
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha, `Hamundityi here?' Hamudederi pamberi pangu here, ini ndakaisa jecha rive muganhu wegungwa, ndikatema chirevo chisingaperi kuti rirege kuudarika? Zvino kunyange mafungu aro achipenga, haangakundi.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha, ‘Hamundityi here?’ Hamudederi pamberi pangu here, ini ndakaisa jecha rive muganho wegungwa, ndikatema chirevo chisingaperi kuti rirege kuudarika? Zvino kunyangwe mafungu aro achipenga, haangakundi.