Jeremiah 5:31 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ʋaprofita ʋanoprofita nhema, naʋaprista ʋanoɓata ʋushe ʋacirairwa naʋo; asi ʋanhu ʋaŋgu ʋanofarira iɀoɀo; ɀino pakupedzisira kwaɀo mucaiteiko?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vaprofita vanoprofita nhema, vaprista vanotonga nesimba ravo uye vanhu vangu vanofarira izvozvo. Asi muchaiteiko pakupedzisira?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
chokuti: vaporofita vari kuporofita zvenhema vapristiwo vachitonga vachingoita kuti zvivanakire. Vanhu vangu ndozvavari kutodawo zvakadaro izvozvo, asi muchaita sei kana kuguma kwazvosvika?”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
vaporofita vanoporofita nhema, navapristi vanobata ushe vachirairwa navo; asi vanhu vangu vanofarira izvozvo; zvino pakupedzisira kwazvo muchaiteiko?
Shona 2009?
vaporofita va noporofita nhema, navaprista vanobata ushe vachirairwa navo; asi vanhu vangu vanofarira izvozvo; zvino pakupedzisira kwazvo muchaiteiko?
Shona SUB 2002 Bible
vaporofita vanoporofita nhema, navapristi vanobata ushe vachirairwa navo; asi vanhu vangu vanofarira izvozvo; zvino pakupedzisira kwazvo muchaiteiko?