Jeremiah 5:6 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saka shumba inobva kuɗondo, icaʋaʋuraya, ɓere rokumarenje ricaʋaparadza, iŋgwe icaʋandira maguta aʋo, mumŋe nomumŋe, unoɓuɗa’mo, ucabvamburwa; nokuti kuɗarika kwaʋo kuzhinji, nokudzokera kwaʋo kwawedzerwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka shumba inobva musango ichavauraya, bere rinobva mugwenga richavabvambura, ingwe ichavavandira pedyo namaguta avo kuti ibvamburanye vose vanobudamo, nokuti kundimukira kwavo kukuru uye kudzokera shure kwavo kwawanda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Naizvozvo shumba ichabva mudondo ivauraye, mhumi yokugwenga ichavaparadza; mbada iri kuhwandira mumaguta avo. Ani naani anongobudamo achabvamburwa-bvamburwa. Nokuti kukanganisa kwavo kwawanda; umhandupandu hwavo hwanyanya.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saka shumba inobva kudondo, ichavauraya, bere rokumarenje richavaparadza, ingwe ichavandira maguta avo, mumwe nomumwe, unobudamo, uchabvamburwa; nokuti kudarika kwavo kuzhinji, nokudzokera kwavo kwawedzerwa.
Shona 2009?
Saka shumba inobva kudondo, ichavauraya, bere rokumarenje richavaparadza, ingwe ichavandira maguta avo, mumwe nomumwe, unobudamo, uchabvamburwa; nokuti kudarika kwavo kuzhinji, nokudzokera kwavo kwawedzerwa.
Shona SUB 2002 Bible
Saka shumba inobva kudondo, ichavauraya, gava rokumarenje richavaparadza, ingwe ichavandira maguta avo, mumwe nomumwe, unobudamo, uchabvamburwa; nokuti kudarika kwavo kuzhinji, nokudzokera kwavo kwawedzerwa.