Jeremiah 5:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndiŋgakukaŋganwira seiko? Ʋana ʋako ʋakandirasha, ʋakapika naʋasati ʋari ʋamŋari. Ŋguʋa yandakaʋagutsa kwaɀo, ʋakapombora, ʋakaʋuŋganira padzimba dzeɀifeʋe ʋaciita mapoka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Ndingakukanganwirai seiko? Vana venyu vakandisiya, uye vakapika navamwari vasati vari vamwari. Ndakavapa zvose zvavaishayiwa, asi ivo vakaita ufeve vakandoungana kudzimba dzezvifeve.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndingagokuregererai seiko? Vana venyu vakandifuratira vakatopika zvavo navasiri vamwari. “Pandaivapa chokudya vachiguta ivo ndopavakaita upombwe vachiunganidzana kudzimba dzepfambi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Ndingakukanganwira seiko? Vana vako vakandirasha, vakapika navasati vari vamwari. Nguva yandakavagutsa kwazvo, vakapombora, vakaunganira padzimba dzezvipfeve vachiita mapoka.
Shona 2009?
"Ndingakukangamwira seiko? Vana vako vakandirasha, vakapika navasati vari vamwari. Nguva yandakavagutsa kwazvo, vakapombora, vakaunganira padzimba dzezvifeve vachiita mapoka.
Shona SUB 2002 Bible
“Ndingakukanganwira seiko? Vana vako vakandirasha, vakapika navasati vari vamwari. Nguva yandakavagutsa kwazvo, vakapombora, vakaunganira padzimba dzezvipfeve vachiita mapoka.