Jeremiah 50:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Namazuʋa iwayo neŋguʋa iyo — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ɀakaipa ɀaIsraeri ɀicatȿakwa, asi haɀiŋgaʋi’po, neɀiʋi ɀaJuda, asi haɀiŋgawanikwi; nokuti ndicakaŋganwira ʋandakasiya.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mumazuva iwayo, panguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mhaka yaIsraeri ichatsvakwa, asi pachange pasina mhosva, uye zvivi zveJudha zvichatsvakwa, asi hapana chichawanikwa, nokuti ndichakanganwira vakasara vandakasiya.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamazuva iwayo, nepanguva iyoyo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, vanhu vachaedza kutsvaka uipi muIsiraeri asi munenge musisina, vachaedza kutsvaka zvitadzo munyika yokwaJudha asi hapana zvavanowana; nokuti ndicharegerera zvitadzo zvechitsama chavanhu vandinenge ndasiya.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Namazuva iwayo nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha zvakaipa zvaIsiraeri zvichatsvakwa, asi hazvingavipo, nezvivi zvaJudha, asi hazvingawanikwi; nokuti ndichakanganwira vandakasiya.
Shona 2009?
Namazuva iwayo nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha zvakaipa zvaIsiraeri zvichatsvakwa, asi hazvingavipo, nezvivi zvaJudha, asi hazvingawanikwi; nokuti ndichakangamwira vandakasiya.
Shona SUB 2002 Bible
Namazuva iwayo nenguva iyo ndizvo zvinotaura Jehovha zvakaipa zvaIsiraeri zvichatsvakwa, asi hazvingavipo, nezvivi zvaJudha, asi hazvingawanikwi; nokuti ndichakanganwira vandakasiya.