Jeremiah 50:4 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Namazuʋa iwayo, neŋguʋa iyo — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ʋana ʋaIsraeri ʋacaʋuya, iʋo naʋana ʋaJuda pamŋe cete; ʋacafamba ʋaciŋgocema, ʋacitȿaka Jehova Mŋari waʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mumazuva iwayo, nenguva iyoyo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “vanhu veIsraeri navanhu veJudha pamwe chete vachaenda kundotsvaka Jehovha Mwari wavo vachichema.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvanzi naTenzi mumazuva iwayo uye panguva iyoyo vanhu vokwaIsiraeri navanhu vokwaJudha vachaungana pamwechete vachichema pavanenge vachiuya kudaro, vachatsvaka Tenzi, Mwari wavo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, vana vaIsiraeri vachauya, ivo navana vaJudha pamwechete; vachafamba vachingochema, vachitsvaka Jehovha Mwari wavo.
Shona 2009?
"Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, vana vaIsiraeri vachauya, ivo navana vaJudha pamwechete; vachafamba vachingochema, vachitsvaka Jehovha Mwari wavo.
Shona SUB 2002 Bible
“Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndizvo zvinotaura Jehovha, vana VaIsiraeri vachauya, ivo navana vaJudha pamwechete; vachafamba vachingochema, vachitsvaka Jehovha Mwari wavo.