Jeremiah 50:40 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋari seɀaakaparadza Sodoma neGomora namamŋe maguta akaŋga akaɓatana nawo — ndiɀo ɀinotaura Jehova — saiɀoɀo hakunomunhu uŋgagara’mo, hakunomŋanakomana womunhu ucaʋa’mo ari mutorwa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sokukoromorwa kwakaitwa Sodhomu neGomora naMwari pamwe chete namaguta akavakidzana nawo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saizvozvo hakuna achagarako; hakuna munhu achagara mairi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sezvakangoita Mwari kuparadza guta reSodhomu nereGomora namaguta akanga akavakidzana nawo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, saizvozvo hapanawo achazogaramo kana munhu zvake achaita musha imomo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora namamwe maguta akanga akabatana nawo ndizvo zvinotaura Jehovha saizvozvo hakuna munhu ungagaramo, hakuna mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa.
Shona 2009?
"Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora namamwe maguta akanga akabatana nawo ndizvo zvinotaura Jehovha saizvozvo hakuna munhu ungagaramo hakuna mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa.
Shona SUB 2002 Bible
“Mwari sezvaakaparadza Sodhoma neGomora namamwe maguta akanga akabatana nawo ndizvo zvinotaura Jehovha saizvozvo hakuna munhu ungagaramo, hakuna mwanakomana womunhu uchavamo ari mutorwa.