Jeremiah 50:44 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tarirai, ucaʋuya seshumba acibva kumatenhere aJoridani kuzorwa noʋugaro bgakasimba; nokuti ndicaʋatizisa’po pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandicagadza’po; nokuti ndiani waka. fanana neni? Ndiani ucanditarira ŋguʋa? Mufudzi uŋgamira pamberi paŋgu ndiani?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Seshumba inouya ichibva mudondo reJorodhani ichienda kumafuro akapfuma, ndichadzinga Bhabhironi kubva munyika yayo pakarepo. Ndianiko akatsaurwa wandichagadza pane izvi? Ndiani akaita seni uye ndianiko achamisidzana neni? Uye ndoupi mufudzi angandidzivisa?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Chirega uone zvako, ndichaita seshumba yakwira ichibva mujokochwa resango romuna Jorodhani ichivinga danga rehwai rakasimba, vachayerekana ndovaitisa bararamhanya kutizamo ndigosarudza wandinenge ndada kuti aitonge nokuti ndiani akaita seni? Ndianiwo zvake angandigadze dare? Ndoupi mufudzi angamirisane neni?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Tarirai, uchauya seshumba achibva kumatenhere aJorodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani?
Shona 2009?
"Tarirai, uchauya seshumba achibva kumatenhere aJorodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani?
Shona SUB 2002 Bible
“Tarirai, uchauya seshumba achibva kumatenhere aJodhani kuzorwa nohugaro hwakasimba; nokuti ndichavatizisapo pakarepo; wakatsaurwa ndiye wandichagadzapo; nokuti ndiani wakafanana neni? Ndiani uchanditarira nguva? Mufudzi ungamira pamberi pangu ndiani?