Jeremiah 50:9 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti tarirai, ndicamutsira Babironi nokuʋuyisira ɓoka ramarudzi makuru anobva kunyika yokumsoro; ʋacaɀigadzira kuzorwa naro, ricakundwa no’ko; miseʋe yaʋo icaʋa seyemhare yakaŋgwara, isiŋgadzoki isina‐cayakaɓata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nokuti ndichamutsira Bhabhironi nokuisa pamusoro paro ndudzi huru dzakabatana dzinobva kumusoro. Vachazvigadzirira kurwa naro, uye richakundwa kubva nechokumusoro. Miseve yavo ichava semhare pakurwa, dzisingadzoki dzisina chadzakabata.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti hezvi ndiri kunyandura boka ramarudzi makuru avanhu okunyika yokuchamhembe andiri kuunza kuzorwisa Bhabhironi. Ivo vacharonganirana kuzoirwisa kubvira ipapo ichatorwa. Miseve yavo yakaita senyanzvi yokurwa hondo isingadzoki isina chayaita
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti tarirai, ndichamutsira Bhabhironi nokuuyisira boka ramarudzi makuru anobva kunyika yokumusoro; vachazvigadzira kuzorwa naro, richakundwa noko; miseve yavo ichava seyemhare yakangwara, isingadzoki isina chayakabata.
Shona 2009?
"Nokuti tarirai, ndichamutsira Bhabhironi nokuuyisira boka ramarudzi makuru anobva kunyika yokumusoro; vachazvigadzira kuzorwa naro, richakundwa noko; miseve yavo ichava seyemhare yakangwara, isingadzoki isina chayakabata.
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti tarirai, ndichamutsira Bhabhironi nokuuyisira boka ramarudzi makuru anobva kunyika yokumusoro; vachazvigadzira kuzorwa naro, richakundwa noko; miseve yavo ichava seyemhare yakangwara, isingadzoki isina chayakabata.