Jeremiah 51:17 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Munhu mumŋe nomumŋe waʋa usinenjere, haaneziʋo; mupfuri mumŋe nomumŋe wendarama unonyadziswa necifananidzo cake caakaʋeza, nokuti cifananidzo caakaʋumba, ndecenhema; hakunomŋeya maɀiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Munhu mumwe nomumwe haana pfungwa uye haana zivo; mupfuri mumwe nomumwe wesimbi anonyadziswa nezvifananidzo zvake. Zvifananidzo zvake ndezvenhema; hazvina mweya mazviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Munhu wose rangova zungairwa, vanongova vanhu vasina ruzivo, mhizha yose yezvendarama ichinyadziswa nezvifananidzo zvayo zvokunamata nokuti zvifananidzo zvayo zvokunamata hazvina maturo uye hazvina mweya unofema mazviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chaakaumba, ndechenhema; hakuna mweya mazviri.
Shona 2009?
"Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chaakaumba, ndechenhema; hakuna mweya mazviri.
Shona SUB 2002 Bible
“Munhu mumwe nomumwe wava usina njere, haane zivo; mupfuri mumwe nomumwe wendarama unonyadziswa nechifananidzo chake chaakaveza, nokuti chifananidzo chaakaumba, ndechenhema; hakuna mweya mazviri.