Jeremiah 51:2 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicatumira Babironi ʋarudzi ʋacarirudza, ʋacaɓuɗisa ɀose ɀiri munyika yaro, nokuti nezuʋa rokutambudzika ʋacarikomberedza kumatiʋi ose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichatumira vatorwa kuBhabhironi kundoriridza nokuparadza nyika yaro; vacharirwisa kumativi ose, pazuva rokuparara kwaro.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichatumira kuBhabhironi vapepeti vachazoipepeta zvavo vachirozva nyika yayo kusiya isisina chinhu, pavachaivinga vakaita zvokuikomberana, pazuva iroro renhamo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichatumira Bhabhironi varudzi vacharirudza, vachabudisa zvose zviri munyika yaro, nokuti nezuva rokutambudzika vacharikomberedza kumativi ose.
Shona 2009?
Ndichatumira Bhabhironi varudzi vacharirudza, vachabudisa zvose zviri munyika yaro, nokuti nezuva rokutambudzika vacharikomberedza kumativi ose.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichatumira Bhabhironi varudzi vacharirudza, vachabudisa zvose zviri munyika yaro, nokuti nezuva rokutambudzika vacharikomberedza kumativi ose.