Jeremiah 51:33 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Mukunda weBabironi wakaita seɓuriro neŋguʋa yokupura; kwasara ŋguʋa ɗuku, iye ndokuȿikirwa neŋguʋa yokuceka.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, Mwari waIsraeri, “Mwanasikana weBhabhironi afanana neburiro panguva yokupura; nguva yokumukohwa ichasvika zvino zvino.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, iye mwanasikana uyu, Bhabhironi ava kunge buriro panguva yokupura. Kwangosara kanguva kadikidiki nguva yokukohwa yotosvika.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Mukunda weBhabhironi wakaita seburiro nenguva yokupura; kwasara nguva duku, iye ndokusvikirwa nenguva yokucheka.’ ”
Shona 2009?
"Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, `Mukunda weBhabhironi wakaita seburiro nenguva yokupura; kwasara nguva duku, iye ndokusvikirwa nenguva yokukohwa.' "
Shona SUB 2002 Bible
“Nokuti zvanzi naJehovha wehondo, Mwari waIsiraeri, ‘Mukunda weBhabhironi wakaita seburiro nenguva yokupura; kwasara nguva duku, iye ndokusvikirwa nenguva yokucheka.’ ”