Jeremiah 51:34 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nebukadrezari mambo weBabironi wandidya, wandipxanya, wandiita mudziyo usinecinhu, wandimedza seshato, razadza ziɗumbu raro neɀinozipa ɀaŋgu, wandidziŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akatidya, akatinyonganisa, akatiita chirongo chisina chinhu. Akatimedza senyoka, uye akazadza dumbu rake nezvinonaka zvedu, ipapo akatisvisvina.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nebhukadhireza mambo weBhabhironi akandizhanya akanditsonda. Akaita kuti ndive mudziyo zvawo usina chinhu, andimedza segaranyanya. Azadza dumbu rake noudobo hwangu andidzumburudza.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wandidya, wandipwanya, wandiita mudziyo usina chinhu, wandimedza seshato, razadza zidumbu raro nezvinozipa zvangu, wandidzinga.”
Shona 2009?
"Nebhukadhirezari mambo weBhabhironi wandidya, wandipwanya, wandiita mudziyo usina chinhu wandimedza seshato, razadza zidumbu raro nezvinozipa zvangu, wandidzinga."
Shona SUB 2002 Bible
“Nebhukadhineza mambo weBhabhironi wandidya, wandipwanya, wandiita mudziyo usina chinhu, wandimedza seshato, razadza zidumbu raro nezvinozipa zvangu, wandidzinga.”