Jeremiah 51:39 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ʋamutswa mŋoyo ndicaʋaitira mutambo, ndicaʋaɓatisa newaini, kuti ʋafare, ʋaʋate hope dzisiŋgaperi, ʋarege kuzomuka ɀe — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi kana vamutswa, ndichavagadzirira mutambo ndigovadhakisa, kuitira kuti varidze mhere yokuseka, vagovata nokusingaperi uye varege kumuka,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavanenge vane manyawi kudaro ndichavagadzirira mabiko ndivararadzise kusvikira vafarisa uye kuti vakotsire hope dzomutorododo dzavasingazopepukizve, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana vamutswa mwoyo ndichavaitira mutambo, ndichavabatisa newaini, kuti vafare, vavate hope dzisingaperi, varege kuzomukazve ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Kana vamutswa moyo ndichavaitira mutambo, ndichavabatisa newaini, kuti vafare, vavate hope dzisingaperi, varege kuzomukazve ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Kana vamutswa mwoyo ndichavaitira mutambo, ndichavabatisa newaini, kuti vafare, vavate hope dzisingaperi, varege kuzomukazve ndizvo zvinotaura Jehovha.