Jeremiah 51:57 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaɓatisa newaini macinda aro naʋakacenjera ʋaro, ʋaɓati ʋaro naʋakuru ʋaro, nemhare dzaro, ʋacaʋata hope dzisiŋgaperi, haʋaŋgazomuki — ndiɀo ɀinotaura Mambo, unezita rinonzi Jehova wehondo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaita kuti machinda ake navakachenjera vake vadhakwe, vabati, namachinda uye navarwi vakewo; vachavata nokusingaperi uye havangamuki,” ndizvo zvinotaura Mambo, ane zita rinonzi Jehovha Wamasimba Ose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Ndichararadzisa machinda ayo navangwaru vayo namasadunhu ayo pamwechete navatungamiriri vehondo vayo navarwi vayo vehondo. Vachakotsira hope dzomutorododo dzavasingazopepukizve ndizvo zviri kutaura Mambo iye anonzi Tenzi wehondo nehondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichabatisa newaini machinda aro navakachenjera varo, vabati varo navakuru varo, nemhare dzaro, vachavata hope dzisingaperi, havangazomuki ndizvo zvinotaura Mambo, une zita rinonzi Jehovha wehondo.”
Shona 2009?
Ndichabatisa newaini machinda aro navakachenjera varo, vabati varo navakuru varo, nemhare dzaro, vachavata hope dzisingaperi, havangazomuki ndizvo zvinotaura Mambo, une zita rinonzi Jehovha wehondo."
Shona SUB 2002 Bible
Ndichabatisa newaini machinda aro navakachenjera varo, vabati varo navakuru varo, nemhare dzaro, vachavata hope dzisingaperi, havangazomuki ndizvo zvinotaura Mambo, une zita rinonzi Jehovha wehondo.”