Jeremiah 51:58 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naJehova wehondo: Maȿiŋgo akafara eBabironi acakoromorwa cose, namasuʋo aro marefu acapiswa nomŋoto; ʋanhu ʋacaɓatira ɀisinamaturo, namarudzi acaɓatira mŋoto; ʋacaneta.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose, “Masvingo makobvu eBhabhironi achaparadzwa, uye masuo aro akakwirira achapiswa; vanhu vanongozvinetsa pasina, mabasa endudzi ihuni dzomurazvo bedzi.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo rusvingo rwakapamhama rweBhabhironi ruchanyatsonzi pasi mwarara, nemisuo mikuru yaro yakareba kudaro icharirimiswa nomoto. Marudzi achashandira nhando, ndudzi dzavanhu dzichitambudzikira zvinhu zvinopiswa nomoto.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvanzi naJehovha wehondo, “Masvingo akafara eBhabhironi achakoromorwa chose, namasuo aro marefu achapiswa nomoto; vanhu vachabatira zvisina maturo, namarudzi achabatira moto; vachaneta.
Shona 2009?
Zvanzi naJehovha wehondo, "Masvingo akafara eBhabhironi achakoromorwa chose, namasuo aro marefu achapiswa nomoto; vanhu vachabatira zvisina maturo, namarudzi achabatira moto; vachaneta.
Shona SUB 2002 Bible
Zvanzi naJehovha wehondo, “Masvingo akafara eBhabhironi achakoromorwa chose, namasuwo aro marefu achapiswa nomoto; vanhu vachabatira zvisina maturo, namarudzi achabatira moto; vachaneta.