Jeremiah 51:62 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
uti: Haiwa Jehova, makataura pamsoro penɀimbo ino, kuti mucaiparadza, kuti kusaʋa nounogara’mo, kana munhu kana ɀipfuwo, asi kuti ricaʋa ɗoŋgo nokusiŋgaperi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo uti, ‘Haiwa Jehovha, makati muchaparadza nzvimbo ino, zvokuti hakuna munhu kana zvipfuwo zvingagaramo; ichaparadzwa nokusingaperi.’
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
‘Imi Tenzi makataura nezvenzvimbo ino kuti muchanyatsoiparadza zvokuti hapana chichazombogaramozve kunyange munhu kana mhuka. Asi kutoti ichava dongo narini wose.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Uti, ‘Haiwa Jehovha, makataura pamusoro penzvimbo ino, kuti muchaiparadza, kuti kusava nounogaramo, kana munhu kana zvipfuo, asi kuti richava dongo nokusingaperi.’
Shona 2009?
"Uti, `Haiwa Jehovha, makataura pamusoro penzvimbo ino kuti muchai,paradza, kuti kusava nounogaramo, kana munhu kana zvipfuwo, asi kuti richava dongo nokusingaperi.'
Shona SUB 2002 Bible
“Uti, ‘Haiwa Jehovha, makataura pamusoro penzvimbo ino, kuti muchaiparadza, kuti kusava nounogaramo, kana munhu kana zvipfuo, asi kuti richava dongo nokusingaperi.’