Jeremiah 51:63 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana wapedza kuraʋa buku iyi, unofanira kusuŋgira ibge pairi, ndokuikandira mukati morwizi rwaUfratesi;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paunopedza kuverenga rugwaro urwu, sungira ibwe parwuri ugorukanda muna Yufuratesi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paunenge wapedza kuverenga bhuku irori risungirire dombo urikande murwizi rwaYufuratesi
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana wapedza kurava bhuku iyi, unofanira kusungira ibwe pairi, ndokuikandira mukati morwizi rwaYufuratesi;
Shona 2009?
Zvino kana wapedza kurava bhuku iyi, unofanira kusungira ibwe pairi, ndokuikandira mukati morwizi rwaYufuratesi;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana wapedza kurava bhuku iri, unofanira kusungira ibwe pairi, ndokuikandira mukati morwizi rwaYufuretesi;