Jeremiah 51:7 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Babironi wakaŋga uri mukombe wendarama muruʋoko rwaJehova, wakaɓatisa nyika yose; marudzi aʋanhu akanwa waini yawo, saka marudzi akapeŋga.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Bhabhironi akanga ari mukombe wegoridhe muruoko rwaJehovha; akadhakisa nyika yose. Ndudzi dzakanwa waini yaro; naizvozvo dzava kupenga.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Bhabhironi, mumaoko aTenzi yaiva mukombe chaiwo wendarama ichiraradzisa pasi pose zvapo. Marudzi aidutira waini yayo ndokusaka marudzi akapengeswa nayo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Bhabhironi wakanga uri mukombe wendarama muruoko rwaJehovha, wakabatisa nyika yose; marudzi avanhu akanwa waini yawo, saka marudzi akapenga.
Shona 2009?
Bhabhironi wakanga uri mukombe muruoko rwaJehovha, wakabatisa nyika yose; marudzi avanhu akamwa waini yawo, saka marudzi akapenga.
Shona SUB 2002 Bible
Bhabhironi wakanga uri mukombe wendarama muruoko rwaJehovha, wakabatisa nyika yose; marudzi avanhu akanwa waini yawo, saka marudzi akapenga.