Jeremiah 52:17 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ƲaKardea ʋakaputsanya mbiru dzendarira dzakaŋga dziri mumba maJehova, neɀiŋgoro, nedziʋa rendarira, ɀakaŋga ɀiri mumba maJehova, ʋakaenda nendarira yaɀo yose Babironi.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
VaBhabhironi vakaputsa mbiru dzendarira, nezvingoro zvinofamba neGungwa rendarira zvakanga zviri mutemberi yaJehovha vakatakura ndarira yose vakaenda nayo kuBhabhironi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
VaKaridhea vakadimura-dimura misimboti yendarira yaiva mumba yaTenzi nengoro nezibhavhu ziguruguru riya zvaiva pamba yaTenzi vakatakura ndarira yacho kuBhabhironi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
VaKaradhea vakaputsanya mbiru dzendarira dzakanga dziri mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvakanga zviri mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo yose Bhabhironi.
Shona 2009?
VaKaradhea vakaputsanya mbiru dzendarira dzakanga dziri mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvakanga zviri mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo yose Bhabhironi.
Shona SUB 2002 Bible
VaKaradhia vakaputsanya mbiru dzendarira dzakanga dziri mumba maJehovha, nezvingoro, nedziva rendarira, zvakanga zviri mumba maJehovha, vakaenda nendarira yazvo yose Bhabhironi.