Jeremiah 52:22 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Yakaŋga inomusoro wendarira pamsoro payo, kureɓa kwomusoro mumŋe kwakaȿika makubiti mashanu, ʋuye kwakaŋga kuneɀakarukwa namatamba ɀaipoteredza musoro, ɀose ɀiri ɀendarira; nembiru yecipiri yakaŋga yakafanana neyiyi, namatamba ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Musoro wendarira waiva pane imwe mbiru wakanga wakareba makubhiti anosvika mashanuc uye wakashongedzwa nezvakarukwa namatamba endarira zvaipoteredza. Imwe mbiru yakanga yakafanana nayo namatamba ayowo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pamusoro paro paiva nechepamusoro chendarira. Kureba kwomusimboti mumwechete kukwira mudenga kwaiita mamita maviri ana masendimita makumi maviri. Paiva nakamumbure uye mapomegiraneti zvose zviri zvendarira zvaiva zviri pane chepamusoro chiya zvakachitenderedza. Uye musimboti wechipiri wakanga wakaita zvimwechetezvo uine mapomegiraneti.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Yakanga inomusoro wendarira pamusoro payo, kureba kwomusoro mumwe kwakasvika makubhiti mashanu, uye kwakanga kune zvakarukwa namatamba zvaipoteredza musoro, zvose zviri zvendarira; nembiru yechipiri yakanga yakafanana neyiyi, namatambawo
Shona 2009?
Yakanga inomusoro wendarira pamusoro payo, kureba komusoro mumwe kwakasvika makubhiti mashanu, uye kwakanga kune zvakarukwa namatamba zvaipoteredza musoro, zvose zviri zvendarira; nembiru yechipiri yakanga yakafanana neyiyi, namatambawo
Shona SUB 2002 Bible
Yakanga ino musoro wendarira pamusoro payo, kureba kwomusoro mumwe kwakasvika makubhiti mashanu, uye kwakanga kune zvakarukwa namatamba zvaipoteredza musoro, zvose zviri zvendarira; nembiru yechipiri yakanga yakafanana neyiyi, namatambawo