Jeremiah 52:30 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
negore ramakumi maʋiri namatatu raNebukadrezari, Nebuzaradani mukuru waʋarindi wakatapa kuʋaJuda ʋanhu ʋanamazana manomŋe namakumi manna naʋashanu; ʋanhu ʋose ʋaiʋa ɀuru ɀinna namazana matatu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
mugore rake ramakumi maviri namatatu, vaJudha mazana manomwe namakumi mana navashanu vakaendeswa kuutapwa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi vamambo. Vose vaiva zviuru zvina namazana matanhatu pamwe chete.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugore ramakumi maviri nerechitatu rokutonga kwaNebhukadhireza, Nebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vamambo akatapa vaJudha vaiita mazana manomwe ana makumi mana navashanu. Vanhu vose pamwechete vaisvika zviuru zvina zvine mazana matanhatu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
negore ramakumi maviri namatatu raNebhukadhirezari, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakatapa kuvaJudha vanhu vana mazana manomwe namakumi mana navashanu; vanhu vose vaiva zviuru zvina namazana matatu.
Shona 2009?
negore ramakumi maviri namatatu raNebhukadhirezari, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakatapa kuvaJudha vanhu vana mazana manomwe namakumi mana navashanu; vanhu vose vaiva zviuru zvina namazana matatu.
Shona SUB 2002 Bible
negore ramakumi maviri namatatu raNebhukadhineza, Nebhuzaradhani mukuru wavarindi wakatapa kuvaJudha vanhu vana mazana manomwe namakumi mana navashanu; vanhu vose vaiva zviuru zvina namazana matatu.