Jeremiah 52:31 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino negore ramakumi matatu namanomŋe rokutapxa kwaJehoiakini mambo waJuda, nomŋedzi wegumi nemiʋiri, nezuʋa ramakumi maʋiri namashanu romŋedzi, Eviri‐merodaki mambo weBabironi negore rokutaŋga rokuɓata kwake ʋushe, akakudza musoro waJehoiakini mambo waʋaJuda, akamubvisa mutoroŋgo;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mugore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoyakini mambo weJudha, mugore rakava Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi, akasunungura Jehoyakini mambo weJudha, uye akamusunungura kubva mutorongo pazuva ramakumi maviri namashanu romwedzi wegumi nemiviri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mugore remakumi matatu nechinomwe routapwa hwaJehoyakini mambo wokwaJudha, mumwedzi wegumi nechipiri, pazuva ramakumi maviri nechishanu romwedzi iwoyo, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi, mugore raakatangisa kutonga akasimudzira Jehoyakini mambo wokwaJudha pamusoro akamubudisa mujeri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoiakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi negore rokutanga rokubata kwake ushe, akakudza musoro waJehoiakini mambo wavaJudha, akamubvisa mutorongo;
Shona 2009?
Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoiakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi negore rokutanga rokubata kwake ushe, akakudza musoro waJehoiakini mambo wavaJudha, akamubvisa mutirongo;
Shona SUB 2002 Bible
Zvino negore ramakumi matatu namanomwe rokutapwa kwaJehoiakini mambo waJudha, nomwedzi wegumi nemiviri, nezuva ramakumi maviri namashanu romwedzi, Evhirimerodhaki mambo weBhabhironi negore rokutanga rokubata kwake ushe, akakudza musoro waJehoiakini mambo wavaJudha, akamubvisa mutorongo;