Jeremiah 6:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Tizai, imi ʋana ʋaBenjamini, ibvai pakati peJerusarema, muridze hwamanda paTekoa, mumutse ciratidzo paBeti‐hakeremi; nokuti ɀakaipa ɀinoʋaʋarira ɀiri kurutiʋi rwokumsoro, nokuparadza kukuru.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Tizai kuti murarame, imi vana veBhenjamini! Tizai mubve muJerusarema! Ridzai hwamanda muTekoa! Simudzai chiratidzo pamusoro peBheti-Hakeremu! Nokuti njodzi yava pedyo ichibva kumusoro, iko kuparadza kwakaipisisa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tizai muJerusaremu munohwanda imi vanhu vokwaBhenjamini, ridzai hwamanda muTekoa, uye simudzai mumise chiratidzo paBhetihakeremu, nokuti heyo nhamo youya ichibva kuchamhembe, kuparadza kukuru chaizvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Tizai, imi vana vaBhenjamini, ibvai pakati peJerusaremu, muridze hwamanda paTekoa, mumutse chiratidzo paBheterehemu; nokuti zvakaipa zvinovavarira zviri kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru.
Shona 2009?
Tizai, imwi vana vaBhenjamini, ibvai pakati peJerusaremu, muridze hwamanda paTekoa, mumutse chiratidzo paBheterehemu; nokuti zvakaipa zvinovavarira zviri kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru.
Shona SUB 2002 Bible
Tizai, imi vana vaBhenjamini, ibvai pakati peJerusaremu, muridze hwamanda paTekoa, mumutse chiratidzo paBhetirehemu; nokuti zvakaipa zvinovavarira zviri kurutivi rwokumusoro, nokuparadza kukuru.