Jeremiah 6:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ndizere nokutsamŋa kwaJehova, ndaneta kuɀidzora; cikuɗururai pamsoro paʋana ʋari munzira dzomuguta, napamsoro peʋuŋgano yamajaya; nokuti murume nomukadzi ʋacaɓatwa pamŋe cete, nomutana pamŋe cete nowaʋa namazuʋa mazhinji.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ini ndizere nehasha dzaJehovha, uye handichagoni kuzvidzora. “Dzidururire pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro pamajaya akaungana pamwe chete; vose murume nomukadzi vachabatwa imomo, navatana, vaya vabva zera.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokusaka ndakapaka kuzara nehasha dzaTenzi, ndaneta nadzo kudzinyaradza. Dzidururire pavana vari mumugwagwa napamapoka amajayawo. Vose zvavo murume nomukadzi vachatapwa, vezera ravakura navakwegura chaivo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo ndizere nokutsamwa kwaJehovha, ndaneta kuzvidzora; “Chikudururai pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro peungano yamajaya; nokuti murume nomukadzi vachabatwa pamwechete, nomutana pamwechete nowava namazuva mazhinji.
Shona 2009?
Naizvozvo ndizere nokutsamwa kwaJehovha, ndaneta kuzvidzora; "Chikudururai pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro peungano yamajaya; nokuti murume nomukadzi vachabatwa pamwe chete nowava namazuva mazhinji.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo ndizere nokutsamwa kwaJehovha, ndaneta kuzvidzora; “Chikudururai pamusoro pavana vari munzira dzomuguta, napamusoro peungano yamajaya; nokuti murume nomukadzi vachabatwa pamwechete, nomutana pamwechete nowava namazuva mazhinji.