Jeremiah 6:15 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ko ʋakanyadziswa ŋguʋa yaʋakaita ɀinonyaŋgadza here? Kwete haʋana‐kutoŋgonyara, ʋakakoniwa kuceneruka; naiɀoɀo ʋacawa pakati paʋanowa, paŋguʋa yandinoʋaroʋa ʋacagumburwa — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ko, vanonyadziswa nokusemesa kwamafambiro avo here? Kwete, havana nyadzi zvachose; havambozivi kuratidza nyadzi. Naizvozvo vachawira pakati pavakawa; vachadzikiswa pandichavaranga,” Ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Havaifanira kunyara here pavakaita zvakaipa zvisingadiwi naMwari? Kwete havana kana kumbonyara ava. Havazivi kuti kunonyarwa sei. Naizvozvo vachafawo panofira vamwe, panguva yandichavaranga ndipo pavachakundwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete havanakutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa, panguva yandinovarova vachagumburwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona 2009?
Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete havana kutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa, panguva yandinovarova vachagumburwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Ko vakanyadziswa nguva yavakaita zvinonyangadza here? Kwete havana kutongonyara, vakakoniwa kucheneruka; naizvozvo vachawa pakati pavanowa, panguva yandinovarova vachagumburwa, ndizvo zvinotaura Jehovha.