Jeremiah 6:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Inzwa, iwe nyika, tarira, ndini ndinoʋuyisira ʋanhu aʋa ɀakaipa, iɀo ɀiɓereko ɀemifuŋgo yaʋo, nokuti haʋana‐kuterera mashoko aŋgu; kana uri murairo waŋgu, ʋakauramba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Inzwa, iwe nyika: Ndiri kuuyisa njodzi pamusoro pavanhu ava, icho chibereko chendangariro dzavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu, uye vakaramba murayiro wangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Iwe nyika, teerera unzwe! Tarisa uone, nhamo dzandava kuuyisa pavanhu ava zvibereko zvetwavanoita, nokuti vakarega kuteerera shoko rangu. Mutemo wangu vakauramba.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Inzwa, “Iwe nyika, tarira, ndini ndinouyisira vanhu ava zvakaipa, izvo zvibereko zvemifungo yavo, nokuti havana kuterera mashoko angu; kana uri murayiro wangu, vakauramba.
Shona 2009?
Inzwa, "Iwe nyika, tarira, ndini ndinouyisira vanhu ava zvakaipa, izvo zvibereko zvemifungo yavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu; kana uri murayiro wangu, vakauramba.
Shona SUB 2002 Bible
Inzwa, “Iwe nyika, tarira, ndini ndinouyisira vanhu ava zvakaipa, izvo zvibereko zvemifungo yavo, nokuti havana kuteerera mashoko angu; kana uri murairo wangu, vakauramba.