Jeremiah 6:23 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaɓata ʋuta nepfumo, ʋanehasha haʋanenyasha; inzwi raʋo rinotinhira seguŋgwa; ʋanotaȿa mabiza, mumŋe nomumŋe wakaɀigadzira, somunhu unoenda kuhondo, kuzorwa newe, iwe mukunda weZioni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakapakata uta nepfumo; vane utsinye uye havana ngoni. Vanonzwikwa somutinhiro wegungwa vakatasva mabhiza avo; vari kuuya savanhu vazvigadzirira kurwa hondo kuti vakurwise, iwe Mwanasikana weZioni.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vakapakata uta namapfumo, vanoutsinye uye havana tsitsi. Ruzha rwavo runenge ruzha rwegungwa, vanotasva mabhiza akarongana savanhu vari kundorwa hondo kuzorwisa iwe Jerusaremu, mukunda weZioni!”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakabata uta nepfumo, vane hasha havane nyasha; inzwi ravo rinotinhira segungwa; vanotasva mabhiza, mumwe nomumwe wakazvigadzira, somunhu unoenda kuhondo, kuzorwa newe, iwe mukunda weZioni.”
Shona 2009?
Vakabata uta nepfumo, vane hasha havane nyasha; inzwi ravo rinotinhira segungwa; vanotasva mabhiza, mumwe nomumwe wakazvigadzira, somunhu unoenda kuhondo, kuzorwa newe, iwe mukunda weZiyoni."
Shona SUB 2002 Bible
Vakabata uta nepfumo, vane hasha havane nyasha; izwi ravo rinotinhira segungwa; vanotasva mabhiza, mumwe nomumwe wakazvigadzira, somunhu unoenda kuhondo, kuzorwa newe, iwe mukunda weZioni.”