Jeremiah 6:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Haiwa, mukunda waʋanhu ʋaŋgu, ɀisuŋge ciʋuno namakudza, uʋumburuke mumaɗota; cema, somunhu unocema mŋanakomana wake mumŋe cete, nokucema kukuru kwaɀo; nokuti muparadzi ucatiwira pakarepo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Haiwa, vanhu vangu, pfekai masaga mugoumburuka mumadota; chemai nokuchema kukuru kwazvo kunge munochemera mwanakomana mumwe chete, nokuti muparadzi achatiwira pakarepo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe mukunda wavanhu vangu, Jerusaremu pfeka masaga uwumburuke mudota uchichema sokuchema mwana mukomana mumwechete oga, kuchema kunosiririsa kwazvo, nokuti nenguva isipi, muparadzi achatiwira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Haiwa, mukunda wavanhu vangu, “Zvisunge chiuno namakudza, uumburuke mumadota; chema, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, nokuchema kukuru kwazvo; nokuti muparadzi uchatiwira pakarepo.”
Shona 2009?
Haiwa, mukunda wavanhu vangu, "Zvisunge chiuno namakudza, uumburuke mumadota; chema, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, nokuchema kukuru kwazvo; nokuti muparadzi uchatiwira pakarepo. "
Shona SUB 2002 Bible
Haiwa, mukunda wavanhu vangu, “Zvisunge chiuno namakudza, uumburuke mumadota; chema, somunhu unochema mwanakomana wake mumwechete, nokuchema kukuru kwazvo; nokuti muparadzi uchatiwira pakarepo.”